Pfupiso yetsvakurudzo. Shanduko dzounziwa nedenda redzihwamupengo ra2019 kune vapoteri nekuchengetedzwa kwavo muKenya, Uganda, Ghana, Nigeria, South Africa nemuZimbabwe
Abstract
Dambudziko ririko mazuva ano echidzihwamupengo (COVID19) rinotambudza munhu wese wese pasirose, asi rinonyanya kushusha avo vari panzvimbo dzagara dzisina kumira zvakanaka, dzinosanganisira vanhu vonotiza munyika dzavo vachindogara mune dzimwe nyika (vapoteri) nevamwe vakatamiswa nenzira dzisiri dzekuda kwavo kubva pamisha yavo. Mudzidzo, kana mutsvakurudzo ichangoitwa, tinotarisa kuvhiringwa kwakaitwa zvinhu nedambudziko rechirwere chedzihwamupengo kuvapoteri uyevo kuzvirongwa zvekuchengetedzwa kwavapoteri kubva munyika nhanhatu dzekuMavirira kweAfrica, dzekuMabvazuva kweAfrica, uyevo dzekuChamhembe kweAfrica dzinoti, Ghana, Kenya, South Africa, Uganda, uyewo ne Zimbabwe, kubvira pagore rekutanga redambudziko iri kusvikira, uye kusanganisira mumwedzi waKukadzi wa2021. Tichishandisa mivhunzo isina wayakananga chaiye, tinovavarira kuwana miono yavanhu vanobva, kana kuti vanorarama hupenyu hweupoteri, vadzidzi, makurukota ehurumende, uyevo vanoshanda nezvekubatsira uye kushanda nevapoteri. Vanhu vanosvika makumi mapfumbamamwe (90) vakapindura mivhunzo iyi.
Problem melden